Letra Bhebhi Ramwari de Winky D

Letra de Bhebhi Ramwari

Winky D

Bhebhi Ramwari
Winky D
(0 votos)
Ga, ga, Gafa!
Chi-Extraterrestrial!
Hona baby, ukandiona waona daddy (Gafa)
No debate, huya kuno toita happy, happy
Tora 50 iyo, pukuta misodzi (pukuta misodzi)
Pakurova mari ini ndine hutsinye fanika hwaRhodes (fanika hwaRhodes)
Ndoda kupamba matumbudziko ako ndounza "Happy" mulife mako
Tarisa chiGafa ndo-type yako, ukanyozera hameno zvako

Handidi baby rinobhowa (bhowa, bhowa, bhowa, bhowa)
Handigumbuke nyangwe rikatorwa (torwa, torwa, torwa, torwa)
Ndinoda baby rinonakidzisisa kudya mari
Vasikana vanonakidza vanobva kuna Mwari
Kwete vanobhowa ndeve kwaSatani (Satani!)
Aiwa vanobhowa havana pattern (pattern!)

Uchigona kudya mari, baby wapinda basa
Ndokupa pension fanike NASSA
Kana ndodya mari, pachiGafa handiite budget fanike yavaChinamasa
Pane kaThousand kasina basa, ukakapedza baby wapasser
Nhasi uchamwa zvekunge uchafa, usaite chitsotsi, inwa haikona kurasa
Kana uchinakidza, kamani, Gafa rinokuisa pa-salary
Basa rako baby kudya mari (kudya mari) nyadzisa Satani

Handidi baby rinobhowa (bhowa, bhowa, bhowa, bhowa)
Handigumbuke nyangwe rikatorwa (torwa, torwa, torwa, torwa)
Ndinoda baby rinonakidzisisa kudya mari
Vasikana vanonakidza vanobva kuna Mwari
Kwete vanobhowa ndeve kwaSatani (Satani!)
Aiwa vanobhowa havana pattern (pattern!)

Kana tasvika panzvimbo tati takufara ndiratidze smile ku-face
Ndoda kuspender zvekuti ndini ndomuka ndine headline mu-purse
Handidi change kubva kuna waiter, tora, isa mabond coin mu-purse
Vari kungo-doubler pattern yeGafa nechekure, fanike ma-drone ku-space
Ndobva ndaita manyemwe baby dai wapedza, rimwe round Gafa robheja
Tambisa mukwende nendebvu dzeGafa uchinditekenyedza

Handidi baby rinobhowa (bhowa, bhowa, bhowa)
Handigumbuke nyangwe rikatorwa (torwa, torwa, torwa, torwa)
Ndinoda baby rinonakidzisisa kudya mari
Vasikana vanonakidza vanobva kuna Mwari
Kwete vanobhowa ndeve kwaSatani (Satani!)
Aiwa vanobhowa havana pattern (pattern!)

Ndinoda baby rinonakidzisisa kudya mari
Vasikana vanonakidza vanobva kuna Mwari
Kwete vanobhowa ndeve kwaSatani (Satani!)
Aiwa vanobhowa havana pattern (pattern!)

Comparte Bhebhi Ramwari! con tus amigos.

Que tal te parece Bhebhi Ramwari de Winky D?
Pesima
Mala
Regular
Buena
Excelente